Mateu 28 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kumuka kwaJesu, nokuzviratidza kwake(Mako 16:1–10, 14–18; Ruka 24:1–12, 36–49; Johan 20:1–10, 19–23; Mab 1:6–8)

1Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona hwiro.

2Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.

3Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.

4Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.

5Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa.

6Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa.

7“Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gareriya, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.”

8Zvino vakakurumidza kubva pahwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake.

9Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira.

10Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gareriya, vagondionako.”

11Zvino vachiri munzira, vamwe vagariri vakasvika muguta, vakaudza vapristi vakuru zvose zvakaitwa.

12Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,

13vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’

14Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamugutsa, imi murege kusundirwa mhosva.”

15Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi.

16Zvino vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Gareriya, kugomo ravakarayirwa naJesu.

17Vakati vachimuona, vakamupfugamira, asi vamwe vakanyunyuta.

18Ipapo Jesu akasvika, akataura kwavari, akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.

19Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene;

20muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help