2 Makoronike 10 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rehobhoamu mambo waJudha, Jerobhoamu mambo waIsiraeri

1Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nokuti VaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.

2Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoamu ndokudzoka achibva Ijipiti.

3Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoamu naVaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,

4“Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.”

5Iye akati kwavari, “Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera.” Vanhu vakaenda.

6Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, “Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?”

7Ivo vakataura kwaari, vakati, “Kana mukaitira vanhu ava nomwoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.”

8Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.

9Akati kwavari, “Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, ‘Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”

10Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, “Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,’ utaure kwavari uti, ‘Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”

12Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, “Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.”

13Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,

14akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, “Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoau mwanakomana waNebhati.

16Zvino VaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, “Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo VaIsiraeri vose vakaenda kumatende avo.

17Asi kana vari vana VaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.

18Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana VaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.

19Saizvozvo VaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help