Revhitiko 20 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kurohwa kwezvivi

1Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

2“Uyezve, uti kuvana VaIsiraeri, ‘Ani naani pakati pavana VaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati paVaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.

3Neniwo ndichafuratidza chiso changu kumunhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.’

4Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;

5ipapo ini ndichafuratidza chiso changu kumunhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakufambidzana naMoreki.

6“Kana munhu achienda kumasvikiro navauki achifambidzana navo, ndichafuratidza chiso changu kubva kwaari, ndimubvise pakati porudzi rwake.

7Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

8Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.

9“Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.

10“Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurayiwa.

11Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.

12Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.

13Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nazvo nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurayiwa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.

14Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.

15Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.

16Kana mukadzi akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurayiwa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.

17Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.

18Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.

19“Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nokuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.

20Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.

21Kana munhu akatora mukadzi womun'una wake, chinhu chine tsvina; wafukura mun'una wake; vachashaiwa vana.

22“Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.

23Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.

24Asi ndakakuudzai imi, ndikati, ‘Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.

25Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.’

26Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.

27“Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help