1“Nezuva iro imba yaDhavhidhi navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.
2Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.”
3Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, “Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJehovha; baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.
4Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;
5asi achati, ‘Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.’
6“Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga aya ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ”
7“Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
8“Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
9Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.