1Dai muchindiitira mwoyo murefu paduku paupenzi hwangu; asi munondiitira henyu mwoyo murefu.
2Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.
3Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.
4Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.
5Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku–duku kuvapostori vanopfuura vamwe vose.
6Zvino kunyangwe ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidza izvozvo kwamuri pamberi pavose.
7Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Vhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
8Dzimwe Chechi ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
9Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishayiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Masedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.
10Chokwadi chaKristu chiri mandiri, ndinoti kuzvirumbidza uku hakungandidzivisirwi kunyika yeAkaia.
11Nemhaka yeiko? Nokuti handikudi here? Mwari anoziva.
12Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishayise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
13Nokuti vakadaro vapostori venhema, vanobata nokunyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu.
14Naizvozvi hazvishamisi; nokuti kunyangwe naSataniwo anozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
15Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata basa.
Kutambudzika kwaPauro pamusoro peVhangeri16Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu anoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishomawo.
17Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kuna Ishe, asi sapaupenzi hwangu, pakuzvitenda uku kwatinozvirumbidza nako.
18Vazhinji zvavanozvirumbidza panyama, neniwo ndichazvirumbidza.
19Nokuti munoitira mapenzi mwoyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
20nokuti munoita nomwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
21Ndinoreva ndichizvishora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo.
22Ivo vaHebheru here? Neniwo. Ivo VaIsiraeri here? Neniwo. Ivo vana vaAbhurahamu here? Neniwo.
23Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru–kuru, parufu kazhinji.
24Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe.
25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka.
28Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira Chechi dzose.
29Ndianiko asina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko anogumburwa, neni ndikasarwadziwa?
30Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvoutera hwangu.
31Mwari, Baba vaIshe Jesu, anokudzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema.
32PaDhamasikosi mubati pasi pamambo Areta akarinda guta raveDhamasikosi, achitsvaka kundibata;
33ndikaburuswa ndiri mudengu napahwindo parusvingo, ndikatiza pamaoko ake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.