Isaya 24 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kutonga kwaJehovha

1Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.

2Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupristi, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwereti zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.

3Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.

4Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.

5Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirairo, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.

6Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.

7Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vano mwoyo unofara vanogomera.

8Kufara kwengoma kwonyarara, izwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.

9Havanganwi waini vachiimba; zvinodhaka zvichavava kuna vanozvinwa.

10Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.

11Kuchema kunonzwika panzira dzomumusha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.

12Muguta masara mangova dongo, suwo raputswa nokuparadzwa.

13Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa yakohwiwa.

14Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.

15Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.

16Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, “Vakarurama ngavakudzwe!” Asi ini ndakati, “Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru.”

17Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.

18Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.

19Nyika yaputswa–putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.

20Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.

21Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.

22Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.

23Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZioni, napaJerusaremu; pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help