Mako 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara(Mat 12:9–14; Ruka 6:6–11)

1Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara.

2Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva.

3Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!”

4Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara.

5Zvino akati aringa–ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora.

6Zvino VaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei.

Jesu anoporesa vazhinji

7Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji–zhinji vakamutevera vachibva Gareriya; nokuJudhiya,

8neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJodhani, nokunyika yeTaya neSidhoni, vanhu vazhinji zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari.

9Akaudza vadzidzi vake kuti igwa rigare nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira.

10Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana, kuti vachida kumubata panguva imwechete.

11Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!”

12Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.

Jesu anodana vadzidzi vake(Mat 10:1–4; Ruka 6:12–16)

13Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari.

14Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze,

15uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa.

16Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi,

17naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;”

18naAndireya, naFiripi, naBhatoromiyo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeusi, naTadhiasi, naSimoni muKenani,

19naJudhasi Isikarioti akazomupandukirawo.

Kushonha Mweya Mutsvene(Mat 12:22–32; Ruka 11:14–23; 12:10)

Zvino akapinda mumba,

20vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyangwe kudya chingwa.

21Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.”

22Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusaremu, vakati, “Ana Bheerizebhuri, anobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.”

23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo. “Satani angabudisa Satani seiko?

24Kana ushe huchizvipesanisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.

25Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.

26Kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi anopera.

27“Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga ane simba; zvino angaparadza imba yake.

28“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako;

29asi ani naani ashonha Mweya Mutsvene, haangaregerwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”

30Nokuti vakati, “Ano mweya wakaipa.”

Ukama naJesu(Mat 12:46–50; Ruka 8:19–21)

31Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana.

32Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.”

33Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?”

34Zvino akaringa–ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu!

35“Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help