Mapisarema 31 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kubatsirwa, achivonga unyoro hwaJehovhaKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndinovimba nemi;

ngandirege kutongonyadziswa;

Ndirwirei pakururama kwenyu.

2Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;

kurumidzai kundirwira;

Ivai dombo rangu rakasimba,

neimba yenhare yokundiponesa.

3Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu;

Naizvozvo nditungamirirei

mundifambise nokuda kwezita renyu.

4Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda;

Nokuti ndimi nhare yangu.

5Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu;

Makandidzikinura Jehovha, imi

Mwari wazvokwadi.

6Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo;

Asi ndichavimba naJehovha.

7Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu;

Nokuti makaona kutambudzika kwangu;

Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu;

8Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi;

Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9Ndinzwirei tsitsi Jehovha,

nokuti ndiri panjodzi;

Ziso rangu rapera nokuchema,

zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguo.

10Nokuti upenyu hwangu hwapera

nokuchema, namakore angu nokugomera;

Simba rangu rapera nokuda

kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.

11Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka

yavadzivisi vangu vose,

Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo,

nechinotyisa kuvazikani vangu;

Vakandiona kunze vakanditiza.

12Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa;

Ndava somudziyo wakaputsika.

13Ndakanzwa vazhinji vachindipomera,

Zvinotyisa kumativi ose;

Pakurangana kwavo pamusoro pangu

Vakafunga mano kuti vanditorere

upenyu hwangu.

14Asi ndakavimba nemi Jehovha;

Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.”

15Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu;

Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu,

nokuna vanonditambudza.

16Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu;

Ndiponesei nounyoro hwenyu.

17Ngandirege kunyadziswa, Jehovha;

nokuti ndakadana kwamuri;

Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.

18Miromo inoreva nhema ngainyarare;

Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama,

Ichizvikudza nokuvazvidza.

19Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera

vanokutyai zvakakura sei,

Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi

pavanakomana vavanhu!

20Muchavavanza pakavanda pamberi penyu,

vabve pamano avanhu;

Muchavachengeta pakavanda patende

vabve panharo dzendimi.

21Jehovha ngaavongwe,

Nokuti akandiratidza unyoro hwake

hunoshamisa paguta rakasimba.

22Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu,

“Ndabviswa pamberi penyu;”

Kunyangwe zvakadaro, makanzwa izwi

rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.

23Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose;

Jehovha anochengeta vakatendeka,

Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.

24Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge,

Imi mose munorindira Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help