Zvakazarurwa 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Vakasanangurwa vanoisirwa chisimbiso

1Shure kwaizvozvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.

2Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nezwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,

3achiti, “Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”

4Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana VaIsiraeri.

5Kurudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso

vane zviuru zvine gumi nezviri;

Kurudzi rwaRubheni vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaGadhi vane zviuru zvine gumi nezviviri;

6Kurudzi rwaAseri vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaNefitarimi vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaManase vane zviuru zvine gumi nezviviri;

7Kurudzi rwaSimioni vane zviuru zvine gumi nezviri;

Kurudzi rwaRevhi vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaIsakari vane zviuru zvine gumi nezviri;

8Kurudzi rwaZabhuroni vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaJosefa vane zviuru zvine gumi nezviviri;

Kurudzi rwaBhenjamini vakaiswa chisimbiso

vane zviuru zvine gumi nezviviri.

Vazhinjizhinji pamberi pechigaro choushe

9Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo;

10vakadanidzira nezwi guru, vachiti, “Ruponeso ngaruve kuna Mwari anogara pachigaro choushe, nokuGwayana.”

11Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro choushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nechiso pamberi pechigaro choushe, vakanamata Mwari,

12vachiti, “Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, noushe, nesimba, ngazvive kuna Mwari nokusingaperi–peri. Ameni!”

13Ipapo mumwe waVakuru akapindura, akati kwandiri, “Ava vakapfeka nguo chena ndivanaaniko? Vanobvepiko?”

14Ndikati kwaari, “Ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.”

15Naizvozvo vari pamberi pechigaro choushe chaMwari, vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; iye, anogara pachigaro choushe, achavadzitira netabhenakeri.

16Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;

17nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari achapukuta misodzi yose kumeso avo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help