Mapisarema 12 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anotsvaka kubatsirwa naMwari, nokuti vanhu vanyengeriKumutungamiriri wokuimba; namazwi avarume. Pisarema raDhavhidhi.

1Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera;

Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.

2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina

maturo nowokwake;

Vanotaura nomuromo unobata kumeso,

uye nemwoyo miviri.

3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso,

Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;

4Ivo vakati, “Tichakunda norurimi rwedu;

Miromo yedu ndeyedu;

ndianiko angava ishe wedu?”

5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo,

nokugomera kwavanoshaiwa,

Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha;

Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.

6Mashoko aJehovha mashoko akachena;

Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika,

Yakanatswa kanomwe.

7Muchavachengeta, Jehovha,

Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.

8Vakaipa vanofamba pamativi ose,

Kana zvakashata zvichikudzwa pakati

pavanakomana vavanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help