Revhitiko 6 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

2“Kana munhu akatadza, akadarika murairo waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;

3kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri;

4zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga;

5kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva.

6Anofanira kuuya kumupristi nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chehondohwe yamakwai ake isina chipomerwa, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva;

7zvino mupristi amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita.”

Mirairo yezvipiriso

8Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

9“Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murairo wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’

10Zvino mupristi ngaafuke nguo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paatari, aaise parutivi rweatari.

11Zvino ngaabvise nguo dzake, afuke dzimwe nguo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka.

12Moto paatari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose; zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo.

13Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro peatari nguva dzose, urege kudzima.

14“Murairo wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paatari.

15Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro peatari, chive chinonhuwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha.

16Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana.

17Ngachirege kubikwa nembiriso; ndakachipa semugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva.

18Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murairo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.”

19Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

20“Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana.

21Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu–zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

22Mupristi unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose.

23Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupristi chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.”

24Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

25“Taura naAroni navanakomana vake uti, ‘Murairo wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayiwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha; chitsvene kwazvo.’

26Mupristi unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya; chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana.

27Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene.

28Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura.

29Zvino varume vose kuvapristi vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo.

30Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help