1Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?
2Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
3Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.
4Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
5Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.
6Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
7Akamanikidzwa, kunyangwe zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
8Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu.
9Vakamupa hwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyangwe asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.
10Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake.
11Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.
12Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyangwe zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.