1Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu.
2Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu.
3Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenta esirivha ane zana, netarenta rimwe rendarama.
4Mambo weIjipiti akagadza Eriakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.
5Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.
6Zvino Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga nengetani, kundomuisa Bhabhironi.
7Nebhukadhineza akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi.
8Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe.
9Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
10Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhineza akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munun'una wake Zedhekiya mambo waJudha neJerusaremu.
Zedhekiya mambo wokopedzisira waJudha11Zedhekiya akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe.
12Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha.
Nebhukadhineza anoputsa Jerusaremu nokutapa vaJudha13Akamukirawo mambo Nebhukadhineza, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa mwoyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.
14Uye vakuru vose vapristi navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu.
15Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake;
16asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.
17Saka wakauyisa mambo wavaKaradhia kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyangwe jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.
18Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nepfuma yeimba yaJehovha, nepfuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi.
19Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro.
20Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe uchibatwa navaPezhia;
21kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe.
Koreshi mambo wePezhia anotendera vaJudha kudzoka22Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePezhia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,
23“Zvanzi naKoreshi mambo wePezhia, ‘Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha.
“ ‘Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.