Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kupindura kwomuwani

1Ndapinda mumunda mangu,

hanzvadzi yangu, mwenga wangu;

Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu;

Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu;

Ndanwa waini yangu nomukaka wangu.

Idyai, shamwari dzangu;

Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru,

vadiwa vangu.

Vaparadzana chinguva, mwenga anotsvaka muwani

2Ndakanga ndivete, asi mwoyo

wangu wakanga wakasvinura;

Izwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti,

“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa

wangu, njiva yangu, akakwana wangu;

Nokuti musoro wangu uzere nedova,

Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.”

3Ndabvisa nguo yangu; ndingaifuka sei?

Ndashambidza tsoka dzangu;

ndingadzisvibisa sei?

4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavhuri romukova,

Mwoyo wangu ukamushuva.

5Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu;

Maoko angu akadonha mura,

Neminwe yangu mura inoyerera,

Pazvibato zvechizarira.

6Ndakazarurira mudiwa wangu;

Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda.

Mweya wangu akanga watorwa pakutaura kwake;

Nakamutsvaka, asi handina kumuwana;

Ndikamudana, asi haana kundipindura.

7Varindi, vanofamba–famba neguta, vakandiwana;

Vakandirova, vakandikuvadza;

Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu.

8Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,

Kana mukawana mudiwa wangu,

Mumuudze kuti ndinorwara norudo.

9Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko,

Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka?

Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko,

Zvaunotipikira saizvozvo?

10Mudiwa wangu akachena nokutsvuka,

Anozikanwa pakati pezana ramazana.

11Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka;

Vhudzi rake rakapetana, idema segunguo.

12Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura,

Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe

zvakarongedzwa zvakanaka.

13Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira,

Samatutu emiriwo inonaka;

Miromo yake yakaita samaruva

anodonha mura inoyerera.

14Maoko ake akaita samapango

endarama, akaiswa bheriri;

Muviri wake wakaita senyanga

dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.

15Makumbo ake akaita sembiru

dzamabwe machena, dzakaiswa

pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka;

Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni,

kwakaisvonaka semisidhari.

16Muromo wake wakanaka kwazvo;

Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo–kwazvo.

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu,

ndizvo zvakaita shamwari yangu,

Imi vakunda veJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help