Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Ndiri ruva rebundo rokuSharoni,

Ndiri ruva rokumapani.

2Seruva pakati peminzwa,

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu

pakati pavakunda.

3Semueporo pakati pemiti yokudondo,

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana.

Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru;

Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.

4Akandiisa kuimba yomutambo;

Mureza wake pamusoro pangu wakanga ruri rudo.

5Nditsigirei namazambiringa akaomeswa,

ndisimbisei namaeporo;

Nokuti ndinorwara norudo.

6Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu;

Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.

7Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,

Nemharapara nenondo dzokubundo,

Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo,

Kusvikira irwo rwada pacharwo.

8Inzwai izwi romudiwa wangu!

Tarirai, wouya,

Achikwakuka pamakomo,

Achichirika pazvikomo.

9Mudiwa wangu akafanana nemharapara

kana nomwana wenondo;

Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu;

Anotarira napamahwindo;

Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.

10Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri,

“Simuka, mudiwa wangu, akanaka wangu, huya!”

11Nokuti, tarira, chando chaenda;

Mvura yapera, yaenda;

12Maruva aonekwa panyika;

Nguva yokurira kweshiri yasvika,

Nekurira kwenjiva kunonzwika panyika yedu.

13Muonde woibvisa maonde awo mambishi,

Uye mizambiringa yotunga maruva;

Yobudisa kunhuwira kwawo;

Simuka, mudiwa wangu, akanaka wangu huya!

14Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo,

Pakadzitika pamawere;

Ndione chiso chako,

Ndinzwe izwi rako;

Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.

15Tibatirei makava, makava maduku,

Anotadzira minda yemizambiringa;

Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.

16Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake;

Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.

17Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza,

Tendeuka, mudiwa wangu, uve

semharapara nomwana wenondo

Pamusoro pamakomo eBhetieri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help