Jeremiya 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jeremiya anoparidza ari mutemberi

1Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,

2“Mira pasuwo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamasuwo aya kuzonamata Jehovha.’

3“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.’

4Musavimba namashoko enhema, ‘Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.’

5“Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kuno wokwake.

6“Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi;

7ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi.

8“Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira.

9Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi,

10ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, ‘Tasunungurwa;’ kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?

11Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha.

12Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri.

13Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.

14“Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.

15Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu.”

16“Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi.

17Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here?

18Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.

19Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havainozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo?

20Saka zvanzi naJehovha Mwari, ‘Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.’ ”

21Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, “Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibairo zvenyu, mudye nyama yazvo.

22Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibairo;

23asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.’

24Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemwoyo yavo, vakadzokera shure; havana kupfuura mberi.

25Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma;

26kunyangwe zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.

27“Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakutereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.

28Zvino iwe uti kwavati, ‘Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.’

29“Veura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira.

30“Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha.

31Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumwoyo mangu.

32Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomu, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.’

33Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga.

34Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu izwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help