1Mwari, imi muri Mwari wangu;
ndichakutsvakai mangwanani;
Mweya wangu une nyota kwamuri,
nyama yangu inokushuvai,
Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
2Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene,
Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
3Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu;
Miromo yangu ichakurumbidzai.
4Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu;
Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
5Mweya wangu uchaguta nezvinenge mongo namafuta;
Muromo wangu uchakurumbidzai
nemiromo inofara kwazvo;
6Kana ndichikurangarirai panhoo yangu,
Ndichikufungai panguva dzousiku.
7Nokuti makanga muri mubatsiri wangu,
Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
8Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose;
Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu,
Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
10Vachaiswa pasimba romunondo;
Vachava mugove wamakava.
11Asi mambo achafara muna Mwari;
Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo;
Nokuti muromo wavanoreva
nhema uchadzivirwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.