Zekariya 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Chiratidzo chechitanhatu chorugwaro rwechimononorwa

1Zvino ndakaratidza meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwechimononorwa ruchibhururuka.

2Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwechimononorwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”

3Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.

4Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.”

Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa

5Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, “Chiratidza meso ako zvino, uone chinobudapo.”

6Ini ndikati, “Chiiko?” Iye akati, “Ichi ndicho chivi chavo panyika yose.” Akatizve, “Ndizvo zvavakaita panyika yose;”

7(zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.

8Akati, “Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati mebhasikiti akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.”

9Ipapo ndakaratidza meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vana mapapiro akafanana namapapiro ezimuda; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.

10Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Vanondoisepiko bhasikiti?”

11Iye akati kwandiri, “Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help