Mateu 15 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jesu anotuka vanyori naVaFarisi pamusoro petsika dzavo(Mako 7:1–23)

1Zvino VaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati,

2“Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?”

3Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?

4“Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’

5Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’

6haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu.

7Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti,

8‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,

Asi mwoyo yavo iri kure neni.

9Asi vanondinamata pasina,

Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ”

10Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise.

11Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”

12Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti VaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”

13Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.”

14“Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”

15Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.”

16Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here?

17Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze?

18Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu.

19Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari;

20ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”

Jesu anoporesa mwanasikana womukadzi weKenani(Mako 7:24–30)

21Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTiya neSidhoni.

22Zvino, tarira, mukadzi muKenani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.”

23Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.”

24Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yaVaIsiraeri.”

25Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.”

26Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”

27Akati, “Hongu, Ishe, kunyangwe nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”

28Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.

Jesu anoporesa vazhinji

29Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGareriya, akakwira mugomo, akagarapo pasi.

30Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa.

31Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari waVaIsiraeri.

Vane zviuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu(Mako 8:1–10)

32Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”

33Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?”

34Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.”

35Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi;

36akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.

37Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere.

38Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi.

39Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help