Mapisarema 83 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munyengetero kuti Mwari arwire vanhu vakeRwiyo, Pisarema raAsafi.

1Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere;

Regai kuramba musingatauri,

musanyarara Mwari.

2Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope;

Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.

3Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu,

Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.

4Vakati, “Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi;

Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.”

5Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe;

Vanoita sungano kuzorwa nemi.

6Matende aEdhomu navaIshimaeri;

Moabhu navaHagari;

7Gebhari, naAmoni, naAmareki;

Firisitia pamwechete navagere Taya;

8Asiriawo wakasangana navo;

Vakabatsira vana vaRoti.

9Muvaitire sezvamakaitira Midhiani;

NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;

10Ivo vakaparadzwa paEndori;

Vakava mupfudze wapasi.

11Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi;

Zvirokwazvo, machinda avo ose

saZebha naZarimuna;

12Ivo vakati, “Ngatizvitorere

Ugaro hwaMwari huve hwedu.”

13Mwari wangu, muvaite seguruva

rinondeyeswa nemhepo;

Samakoto anodzingwa nemhepo.

14Somoto unopisa dondo,

Somurazvo womoto unopisa makomo;

15Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo,

Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.

16Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa;

Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.

17Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi;

Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;

18Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha,

Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help