1Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
2Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu–refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
3Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, aine tambo yerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuwo.
4Murume uyo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.”
5Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga muno rutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
6Zvino wakasvika pasuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuwo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
7Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga pana mamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuwo pabiravira resuwo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
8Akayerawo biravira resuwo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
9Ipapo akayera biravira resuwo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuwo rakanga riri kurutivi rweimba.
10Makamuri esuwo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
11Akayera upamhi hwomukova hwesuwo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuwo, mamita ane gumi namatatu.
12Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
13Akayera suwo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
14Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suwo kusvikira pambiru.
15Zvino kubva pamberi pesuwo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuwo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
16Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuwo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
17Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
18Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuwo, rakaenzana pakureba kwaro namasuwo, iro guva rakarongwa rapasi.
19Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuwo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
20Wakayerawo kureba nohupamhi hwesuwo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
21Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
22Mahwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro.
23Muruvazhe rwomukati makanga mune suwo rakatarisana nerimwe suwo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo zvikaita makubhiti ane zana.
24Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suwo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo.
25Mahwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
26Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
27Kwakanga kune suwo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
28Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuwo rezasi; akayera suwo rezasi nezviyero izvozvi;
29namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
30Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
31Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine kwiriso zvisere.
32Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suwo nezviyero izvozvi;
33namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
34Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
35Zvino wakandiisa kusuwo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
36makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
37Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
38Pambiru pamasuwo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
39Mubiravira resuwo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibairo zvezvivi nezvibairo zvemhosva.
40Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuwo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuwo, kwakanga kuna matafura maviri.
41Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuwo, matafura masere paibayirwa zvibairo.
42Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibairo.
43Zvikokooni, zvakanga zvakaita soupamhi hwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
44Kunze kwesuwo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuwo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
45Zvino akati kwandiri, “Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapristi, ivo vachengeti vebasa reimba;
46kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapristi, vachengeti vebasa reatari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevhi, vachiswedera kuna Jehovha kuzomushumira.”
47Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; atari yakanga iri pamberi peimba.
48Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi hwesuwo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
49Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuwo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.