2 Makoronike 32 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Shenakeribhu mambo weAsiria anokomba Jerusaremu, asi vaJudha vanorwirwa naJehovha

1Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhu mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo.

2Zvino Hezekiya akati achiona kuti Shenakeribhu asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu,

3akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira.

4Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, “Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?”

5Iye akatsunga mwoyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoo zhinji.

6Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuwo reguta, akataura nounyoro navo achiti,

7“Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;

8iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu.” Vanhu vakavimba namashoko aHezekiya mambo waJudha.

9Shure kwaizvozvi Shenakeribhu mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kuna vose vakanga vari Jerusaremu, akati,

10“Zvanzi naShenakeribhu mambo weAsiria, ‘Chiiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?’

11Ko Hezekiya haazi anokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?’

12Haazi iye Hezekiya akabvisa matunhu ake akakwirira neatari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, ‘Munofanira kunamata pamberi peatari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?’

13Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongogona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here?

14“Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here?

15Zvino naizvozvo Hezekiya ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?”

16Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekiya.

17Akanyorawo tsamba yokudadira nayo Jehovha Mwari waIsiraeri, nokumushora, achiti, “Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekiya haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.”

18Vakadanidzira nezwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta.

19Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu.

20Zvino mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga.

21Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.

22Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekiya navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhu mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose.

23Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose.

Kurwara kwaHezekiya nokufa kwake

24Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo.

25Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekiya haana kuchiripira zvakanaka, nokuti mwoyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu.

26Asi Hezekiya akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekiya.

27Hezekiya akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;

28namatura ezviyo yakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai.

29Wakazviwanirawo maguta, nepfuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa pfuma zhinji kwazvo.

30Ndiye Hezekiyawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekiya akakunda pamabasa ake ose.

31Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make.

32Zvino mamwe mabasa aHezekiya, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.

33Hezekiya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help