Mapisarema 35 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti vakaipa varohwePisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;

Irwai navanorwa neni.

2Torai nhoo huru neduku,

Musimuke kundibatsira.

3Vhomoraiwo pfumo, mudzivire

nzira yavanonditeverera,

Itiyi kumweya wangu,

“Ndini muponesi wako.”

4Vanotsvaka mweya wangu

ngavanyadziswe, vazvidzwe;

Vanofunga kundiitira zvakaipa

ngavadzoserwe shure vakanganiswe.

5Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo,

Mutumwa waJehovha achivasundira.

6Nzira yavo ngaive nerima, itedze,

Mutumwa waJehovha achivateverera.

7Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira

mimbure yavo muhunza,

Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.

8Kuparadzwa ngakumuwire akangofara;

Uye mumbure wake waakavanza

ngaumubate amene;

Ngaawiremo aparadzwe.

9Mweya wangu uchafarira Jehovha

Uchafarira kuponesa kwake.

10Mapfupa angu ose achati,

“Jehovha ndianiko akafanana nemi,

Imi munorwira murombo pana iye

akamukurira nesimba,

Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?”

11Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka;

Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi.

12Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa,

Vachibira mweya wangu.

13Asi kana ndirini, pakurwara kwavo

ndakafuka masaga;

Ndakatambudza mweya wangu

ndichizvinyima zvokudya;

Munyengetero wangu ukadzokera

kuchipfuva changu.

14Ndakaita seyaiva shamwari yangu

kana hama yangu;

Ndakakotama ndichichema, somunhu

anochema mai vake.

15Asi pakugumburwa kwangu

vakafara, vakaungana pamwechete;

Vanhu vakashata kwazvo vakaungana

kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi;

Vakandibvambura, vasingaregi;

16Savadadiri vakaipa pamitambo

Vakandirumanyira meno avo.

17Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko?

Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo,

Mudikanwa wangu pashumba.

18Ndichakuvongai paungano huru;

Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19Vanondivenga ndisina mhosva

ngavarege kufara pamusoro pangu;

Uye vanondivenga ndisina mhosva

ngavarege kubwaira neziso.

20Nokuti havatauri rugare;

Asi vanofungira avo vanyerere

panyika mashoko okunyengera.

21Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo;

Vakati, “Hekani, hekani! Meso edu akazviona.”

22Makazviona, Jehovha; regai kunyarara;

Ishe, regai kugara kure neni.

23Zvimutsei, mukai mundiruramisire;

Mutambe mhaka yangu,

Mwari wangu naShe wangu.

24Nditongerei, Jehovha Mwari wangu,

nokururama kwenyu;

Ngavarege kufara pamusoro pangu.

25Ngavarege kuti mumwoyo mavo,

“Hekani, ndizvo zvatanga tichida;”

Ngavarege kuti, “Tamumedza.”

26Ngavanyadziswe, vazvidzwe

pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu;

Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo

vanozvikudza pamusoro pangu.

27Ngavadanidzire nomufaro, vafare,

ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu;

Ngavarambe vachiti,

“Jehovha ngaakudzwe,

Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.”

28Ipapo rurimi rwangu ruchataura

zvokururama kwenyu,

Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help