1 VaTesaronika 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu;

2nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raIshe rinosvika sembavha usiku.

3Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadziwa kunoita kwomukadzi ane pamuviri; havangatongopukunyuka.

4Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.

5Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vousiku, kana verima.

6Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.

7Nokuti vanovata, vanovata usiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa usiku.

8Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo nengowani ive tariro yoruponeso.

9Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu;

10akatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwechete naye.

11Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.

Kunyevera kwokupedzisira nokuonekana

12Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai muna Ishe, vanokurairai;

13muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.

14Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murairo, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.

15Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokuna vose.

16Farai nguva dzose.

17Rambai muchinyengetera.

18Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

19Musadzima Mweya;

20musazvidza zvinoporofitwa;

21edzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;

22regai marudzi ose ezvakaipa.

23Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24Akatendeka ndiye anokudanai, achazviitawo.

25Hama dzangu, tinyengetererei.

26Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.

27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iravirwe hama dzose.

28Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help