Vatongi 13 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuberekwa kwaSamusoni

1Zvino vana VaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.

2Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki.

3Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.

4Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinodhaka, kana kudya chinhu chisina kunaka;

5nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.”

6Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, “Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;

7asi wakati kwandiri, ‘Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kunwa waini, kana zvimwe zvinodhaka, usadya chinhu chisina kunaka, nokuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.’ ”

8Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, “Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.”

9Jehovha akanzwa izwi raManoa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakanga asiko kwaari.

10Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, “Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya.”

11Manoa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, “Ndiwe murume wakataura nomukadzi here?” Iye akati, “Ndini.”

12Manoa akati, “Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?”

13Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa; “Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.

14Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinodhaka, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.”

15Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.”

16Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, “Kunyangwe ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha.” Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.

17Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?”

18Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?”

19Ipapo Manoa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakataririra.

20Nokuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manoa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.

21Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha.

22Zvino Manoa akati kumukadzi wake, “Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari.”

23Asi mukadzi wake wakati kwaari, “Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino.”

24Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.

25Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahane–dhani, pakati peZora neEshitaori.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help