1Handizi wakasununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu muna Ishe here?
2Kana ndisati ndiri mupostori kuna vamwe, kunyangwe zvakadaro zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chohupostori hwangu muna Ishe.
3Kuzvidavirira kwangu kuna ivo vanonditonga ndikoku:
4Hatina simba rokudya nokunwa here?
5Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapostori navanun'una vaIshe, naKefasi here?
6Ko ini ndoga naBhanabhasi hatina simba rokurega kubata basa here?
7Ndianiko angandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko anorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko anofudza boka, akasadya mukaka weboka?
8Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here? Ko murairo haurevi saizvozvowo here?
9Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, pachiti, “Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.” Ko Mwari ane hanya nenzombe here?
10Kana anoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti anorima anofanira kurima netariro; noanopura, achitarira kuti uchagoverwawo.
11Kana isu takakudyarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
12Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.
13Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene, vanodya zvetemberi? Uye kuti vanobata basa paatari, vanogovana neatari here?
14Saizvozvowo Ishe wakarayira kuti vanoparidza Vhangeri, vararame neVhangeri.
15Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zviri nani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
16Nokuti kana ndichiparidza Vhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Vhangeri.
17Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri.
18Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Vhangeri, ndivigire vanhu Vhangeri vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reVhangeri.
19Nokuti kunyangwe ndakasununguka kuna vose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20KuVaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, kunyangwe ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;
21kuna vasina murairo, ndakava somunhu asina murairo, kunyangwe ndisati ndiri munhu asina murairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasina murairo.
22Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
23Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweVhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwechete navamwe.
24Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
25Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori.
26Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo;
27asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.