Dhuteronomi 27 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Zvavanofanira kuita kana vasvika Kenani

1Zvino Mosesi navakuru VaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.

2Zvino nomusi wamunoyambuka Jodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;

3ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.

4Zvino kana mayambuka Jodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.

5Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako atari, atari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.

6Unofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.

7Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.

8Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurairo uyu, zvionekwe kwazvo.

9Zvino Mosesi navapristi navaRevhi vakataura naVaIsiraeri vose, vakati, “Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.

10Naizvozvo unofanira kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.”

11Mosesi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,

12“Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimu, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jodhani: Simioni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.

13Uye ndivo vanofanira kundomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.”

14Zvino vaRevhi vanofanira kupindura vachiti kuvarume vose VaIsiraeri nezwi guru:

15“Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda.

“Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.

16“Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

17“Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

18“Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

19“Ngaatukwe munhu unotongera mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

20“Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

21“Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

22“Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

23“Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

24“Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

25“Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

26“Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurairo uyu, nokuaita.

“Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help