Isaya 25 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwokurumbidza Jehovha

1Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.

2Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.

3Naizvozvo rudzi rukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.

4Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.

5Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma; rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.

6Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.

7Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, neketani rakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.

8Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo.

9Nezuva iro vachati, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”

10Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhu vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze.

11Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake.

12Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help