1Isu kwete, Jehovha, isu kwete,
Asi zita renyu ngarikudzwe,
Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda
kwokutendeka kwenyu.
2Vahedheni vachareverei, vachiti,
“Ko Mwari wavo zvino uripi?”
3Asi Mwari wedu ari kudenga–denga;
Akaita zvose zvaakada.
4Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama,
Basa ramaoko avanhu.
5Zvinemiromo, asi hazvitauri;
Nameso zvinawo, asi hazvioni;
6Zvinenzeve, asi hazvinzwi;
Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi;
7zvina maoko, asi hazvibati;
Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi;
Hazvitauri napahuro pazvo.
8Ivo vanozviita vachafanana nazvo;
Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
9Iwe Isiraeri, vimba naJehovha;
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha;
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha;
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza;
Acharopafadza imba yaIsiraeri;
Acharopafadza imba yaAroni.
13Acharopafadza vanotya Jehovha,
Vaduku navakuru vose.
14Jehovha acharamba achikuwanzai,
Imi navana venyu.
15Imi makaropafadzwa naJehovha,
Iye akaita kudenga napasi.
16Kudenga–denga ndiko kudenga–denga kwaJehovha;
Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.
17Vakafa havarumbidzi Jehovha,
Kunyangwe ani naani anoburukira kwakanyarara;
18Asi isu hedu tichakudza Jehovha
Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi.
Hareruya!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.