Mapisarema 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amururamisireRwiyo rwaDhavhidhi rwaakaimbira Jehovha nokuda kwamashoko aKushi, muBhenjamini.

1Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi;

Ndiponesei kuna vose vanonditeverera,

mundirwire;

2Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba,

Aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.

3Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi;

Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;

4Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa

munhu aiva noukama neni;

(Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;)

5Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate;

Ngaatsikire upenyu hwangu pasi,

Aise kukudzwa kwangu muguruva.

6Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu,

Simukirai hasha dzavadzivisi vangu;

Mumuke nokuda kwangu; ndimi

makaraira kuti zvakarurama zviitwe.

7Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei;

Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.

8Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu;

Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye

nezvokwadi zviri mandiri.

9Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume,

asi simbisai akarurama;

Nokuti Mwari akarurama anoidza mwoyo netsvo.

10Nhoo yangu iri kuna Mwari,

Iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11Mwari mutongi akarurama,

Zvirokwazvo, ndiMwari unotsamwa

zuva rimwe nerimwe.

12Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza

munondo wake;

Akakunga uta hwake, akahugadzira.

13Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo;

Anozviitira miseve inopisa.

14Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa;

Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata,

akabereka nhema.

15Akachera hunza, akaidzikisa,

Akawira mugomba raakachera iye.

16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene,

Uye kumanikidza kwake kuchauya

pamusoro pedehenya rake.

17Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake;

Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusorosoro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help