1Ishe, makanga muri ugaro hwedu
Pamarudzi namarudzi.
2Makomo asati azvarwa,
Musati matongosika nyika nevhu,
Kubva pakusingaperi kusvikira
pakusingaperi imi muri Mwari.
3Munodzosera munhu kuguruva;
Muchiti, “Dzokai vana vavanhu.”
4Nokuti kwamuri makore ane chiuru
Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura,
Senguva yokurinda yousiku.
5Munovakukura semvura zhinji; vava sehope;
Mangwanani vakaita souswa hunomera.
6Mangwanani hunotumbuka, hunomera;
Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
7Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu,
Tinotambudzika nehasha dzenyu.
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,
Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
9Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa;
Makore edu anopera sorungano.
10Mazuva amakore edu anosvika
makore makumi manomwe,
Kana tine simba makore makumi masere;
Asi kunyangwe achikudzwa ndiko
kutambudzika nenhamo bedzi.
Nokuti gare–gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu,
Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
12Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu,
Kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.
13Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko?
Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu.
14Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu;
Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,
Namakore atakaona zvakaipa.
16Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu,
Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
17Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu;
Mutisimbisire basa ramaoko edu;
Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.