1Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
2Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.
3Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro;
4nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa.
5Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo.
6Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho.
7Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.
Rudo runozadzisa murairo8Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana; nokuti anoda mumwe, azadzisa murairo.
9Nokuti izvo zvokuti, “Usaita upombwe, usauraya, usaba, usachiva; kana murairo upi noupi,” zvakaunganidzwa pashoko rokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
10Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.
Tinofanira kurinda11Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro.
12Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.
14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.