Jeremiya 21 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jeremiya anoporofita kuti Jerusaremu richaparadzwa

1Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekiya kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, achiti,

2“Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhineza mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.”

3Ipapo Jeremiya akati kwavari, “Itiyi kuna Zedhekiya,

4‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhia vanokukombai kunze mukati meguta rino.

5Ini ndimene ndicharwa nemi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo.

6Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuo zvose; zvichafa nechirwere chakaipa.

7Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekiya mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pachirwere, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhineza mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira ngoni, kana kuva nenyasha navo.’ ”

8Iwe uti kuvanhu ava, “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira youpenyu nenzira yorufu.’

9“Ani naani unorambira muguta rino uchaurayiwa nomunondo nenzara nechirwere; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhia vanokukombai, iye uchararama, upenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.

10Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndakaratidza guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.’ ”

11Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha,

12“Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.

13Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, ‘Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?’

14Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help