Vatongi 10 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Tora naJairi

1Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu.

2Iye akatonga VaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri.

3Shure kwake Jairi muGireadhi wakamuka, iye akatonga VaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri.

4Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori–jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGireadhi.

5Jairi akafa, akavigwa paKamoni.

VaIsiraeri vanotambudzwa navaFirisitia navaAmori

6Vana VaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira.

7Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira VaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni.

8Ivo vakanetsa nokumanikidza vana VaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana VaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJodhani munyika yavaAmori, yaiva paGireadhi, makore ane gumi namasere.

9Zvino vana vaAmoni vakayambuka Jodhani, vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo VaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo.

10Zvino VaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, “Takakutadzirai imi, nokuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari.”

11Jehovha akati kuvana VaIsiraeri, “Handina kukuponesai here pavaIjipiti, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia?

12VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo.

13Kunyangwe zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.

14Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu.”

15Vana VaIsiraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.”

16Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; mwoyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwaVaIsiraeri.

17Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGireadhi. Vana VaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa.

18Zvino vanhu, iwo machinda aGireadhi, vakataurirana, vakati, “Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Gireadhi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help