1Ndakadanidzira kwamuri,
Jehovha, ndiri makadzika.
2Ishe inzwai izwi rangu;
Nzeve dzenyu ngadziteerere
Izwi rokukumbira kwangu.
3Dai imi Jehovha,
mairangarira zvisakarurama,
Ndianiko airamba amire, Ishe?
4Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri,
Kuti vanhu vakutyei.
5Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira;
Ndinotarira shoko rake.
6Mweya wangu unorindira Ishe,
Kupfuura varindi vanorindira rungwanani;
Zvirokwazvo, kupfuura varindi
vanorindira rungwanani.
7Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha;
Nokuti kuna Jehovha kune ngoni,
Uye kwaari kunokudzikinurwa kukuru.
8Iye achadzikinura Isiraeri
Panezvisakarurama zvake zvose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.