Mapisarema 129 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha ngaarumbidzwe nokuti akarwira IsiraeriRwiyo rworwendo.

1Vakanditambudza kazhinji

kubva pauduku hwangu,

Isiraeri ngaadaro zvino;

2Vakanditambudza kazhinji

kubva pauduku hwangu;

Kunyangwe zvakadaro havana kundikunda.

3Varimi vakarima pamusana wangu;

Vakaita mihoronga yavo mirefu.

4Jehovha akarurama;

Akaguranya mabote avakaipa.

5Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure,

Ivo vose vanovenga Zioni.

6Ngavave souswa pamatenga eimba,

Hunooma husati hwakura;

7Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo,

Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.

8Navanopfuura havangati,

“Jehovha ngaakuropafadzei;

Tinokuropafadzai nezita raJehovha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help