Ekisodho 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mosesi naAroni pamberi paFarao, uye VaIsiraeri vanonyanya kunetswa

1Shure kwaizvozvo Mosesi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.’ ”

2Farao akati, “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere VaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi VaIsiraeri kuenda.”

3Vakati, “Mwari waVaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.”

4Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, “Imi Mosesi naAroni, munotsautsireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumabasa enyu.”

5Farao akati, “Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imi moda kuvazorodza pakuita mabasa avo akaomarara.”

6Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati,

7“Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vanozviunganidzira uswa vega.

8Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, ‘Titenderei tindobayira Mwari wedu.’

9Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.”

10Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupiyi uswa.

11Endai mega munozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.’ ”

12Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa.

13Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, “Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.”

14Navatariri vavana VaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi, “Makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?”

15Zvino vatariri vavana VaIsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, “Munoitireiko kudaro navaranda venyu?

16Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, ‘Itai zvitina’; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.”

17Asi iye akati, “Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, ‘Titenderei kunobayira Jehovha.’

18Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.”

19Zvino vatariri vavana VaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.”

20Vakasangana naMosesi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao;

21vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.”

22Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?

23Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kunotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help