Dhuteronomi 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1“Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murairo wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.

2Zivai nhasi nokuti handitauri navana venyu vasina kuziva, vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu ukuru hwake, neruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa,

3nezviratidzo zvake, namabasa ake, aakaitira Farao, mambo weIjipiti, pakati peIjipiti nenyika yake yose;

4nezvaakaitira hondo yeIjipiti, namabhiza avo, nengoro dzavo; kuti wakavafukidza nemvura yeGungwa Dzvuku, nguva yavakakutevererai, Jehovha akavaparadza kusvikira nhasi;

5nezvaakakuitirai murenje, kudzamara makasvika panzvimbo ino;

6nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati paVaIsiraeri vose.

7Asi meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita.

8“Naizvozvo munofanira kuchengeta murairo wose wandinokurairai nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu;

9kuti mazuva enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuti uchaipa ivo navana vavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.

10Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina kufanana nenyika yeIjipiti, kwamakabuda, kwawaidyara mbeu dzako, uchidzidiridza namakumbo ako, somunda wemiriwo,

11asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokudenga;

12inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako; meso aJehovha Mwari wako anoramba achiitarira, kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupedzisira kwegore.

13“Zvino kana mukaterera zvakanaka mirairo yangu, yandinokurairai nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,

14ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.

15Ndichameresa uswa hwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute.

16Chenjerai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe vamwari, nokunamata kwavari;

17kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.

18“Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu aya mumwoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu.

19Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka;

20unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuwo ako;

21kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.

22“Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;

23Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu.

24Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuretesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva.

25Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri.

26“Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa;

27kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi;

28nokutukwa, kana musingatereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.

29“Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimu, nokutukwa pagomo reEbharu.

30Ko makomo awo haazi mhiri kwaJodhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yaVaKenani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamioku yeMore here?

31Nokuti munofanira kuyambuka Jodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo.

32Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help