Mapisarema 57 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rugare rwomwoyo pakati penjodziKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raDhavhidhi, rwiyo rweMikitami; panguva yaakatiza Sauro pabako.

1Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi;

Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri;

Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu,

Kusvikira njodzi dzapfuura.

2Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro;

Kuna Mwari anondiitira zvose.

3Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese,

Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora;

Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.

4Mweya wangu uri pakati peshumba;

Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto,

Ivo vanakomana vavanhu, vana meno

anenge mapfumo nemiseve,

Uye rurimi rwavo munondo unopinza.

5Imi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga–denga;

Kurumbidzwa kwenyu ngakuve

kumusoro kwapasi pose.

6Vakateyira tsoka dzangu mumbure;

Mweya wangu wakakotamiswa;

Vakachera hunza pamberi pangu;

Vawira mukati mayo vamene.

7Mwoyo wangu wakasimba, Mwari,

mwoyo wangu wakasimba;

Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba

nziyo dzokurumbidza.

8Muka iwe mwoyo wangu, muka iwe

mutengeranwa nembira;

Ini ndimene ndichamuka mangwanani.

9Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu;

Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.

10Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga–denga,

Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.

11Imi mukudzwe Mwari, kumusoro

kwokudenga–denga;

Kurumbidzwa kwenyu ngakuve

kumusoro kwapasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help