1Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, “Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.”
2Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
3Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?”
4Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGireadhi, akarwa naEfuremu, nokuti vakati, “Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imi vaGireadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.”
5Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,”
6ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurayiwa.
7Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGireadhi.
Ibhuzani, naEroni, naAbhidhoni8Shure kwake Ibhuzani weBhetirehemu wakatonga Isiraeri.
9Iye wakanga ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.
10Ibhuzani akafa, akavigwa paBhetirehemu.
11Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.
12Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.
13Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.
14Iye wakanga ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.
15Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.