Mateu 25 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufananidzo wavasikana vane gumi

1“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani.

2Vashanu vavo vakanga mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.

3“Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo, akasatora mafuta.

4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.

5Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata.

6“Pakati pousiku vakanzwa mhere–mhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’

7Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.

8Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’

9Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’

10Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa.

11“Pashure vaya vamwe vasikana vakasvika, vakati, ‘Ishe, Ishe, tizarurireiwo!’

12“Akapindura, akati, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handikuzivii imi.’ ”

13“Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.

Mufananidzo wamatarenda

14“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kuneimwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake.

15Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.

16Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.

17Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri.

18Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.

19“Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.

20Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’

21Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’

22Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’

23Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’

24“Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu ane hasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha;

25zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’

26Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, uno usimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha;

27saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda.

28Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi.

29Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.

30Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.’

Kutonga kukuru

31“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya;

32namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi.

33Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.

34“Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.

35Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira;

36ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’

37“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai rinhiko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa?

38Takakuonai rinhiko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai?

39Takakuonai rinhiko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’

40“Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’

41Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake.

42Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa;

43ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’

44Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai rinhiko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’

45Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’

46Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help