1Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari.
2Akashama muromo wake, akavadzidzisa achiti.
Rufaro rwechokwadi(Ruka 6:20–23)3“Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
4“Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa.
5“Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika.
6“Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa.
7“Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni.
8“Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari.
9“Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari.
10“Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
11“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu.
12Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
Munyu nechiedza chenyika13“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.
14“Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.
15Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba.
16Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.
Jesu Kristu akauya kuzadzisa Murairo17“Musafunga kuti ndakauya kuparadza murairo kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa.
18“Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yoMurairo hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.
19“Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga.
20“Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwaVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
21“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’
22asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.
23“Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paatari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe,
24usiye chipo chako ipapo pamberi peatari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.
25“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.
26“Zvirokwazvo ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
27“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’
28Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, atoita upombwe naye mumwoyo make.
29Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirasire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
30Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’
31Zvakanziwo, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokumuramba.’
32Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani anowana arambwa, anoita upombwe.’
33“Makanzwawo kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’
34Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari;
35kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
36Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’
37Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi.
38“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’
39Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’
40Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo.
41Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.
42“Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
43“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’
44Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai;
45kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’
46Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubairo weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here?
47“Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here?
48“Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.