1 VaKorinde 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.

Vakadzi paungano dzechechi

2Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.

3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.

4Murume mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.

5Asi mukadzi mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuveurwa.

6Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakewo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana aveurwe, ngaafukidzwe.

7Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume.

8Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi anobva kumurume;

9uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume;

10nokuda kwaizvozvo mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.

11Kunyangwe zvakadaro muna Ishe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.

12Nokuti mukadzi seanobva kumurume, nokudarowo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kuna Mwari.

13Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa here?

14Ko hamudzidziswi naiwo musikirwo wavanhu kuti kana murume ane vhudzi refu, anonyadziswa nazvo here?

15Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti akapiwa vhudzi rake chive chifukidzo.

16Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatina tsika yakadaro isu, kunyangwe Chechi dzaMwari.

Tsika dzakafanira patafura yaIshe

17Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa.

18Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana muchechi, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.

19Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.

20Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe;

21nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa.

22Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza Chechi yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii.

23Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa;

24akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”

25Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.”

26Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.

27Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo asina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe.

28Zvino munhu ngaazviedze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.

29Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa.

30Nemaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasina simba, vanorwara; vazhinji vavete.

31Nokuti dai taizviedza isu timene, hatizairohwa.

32Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kutongerwa kuraswa pamwechete nenyika.

33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiunganira pakudya, miriranai.

34Kana munhu ane nzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help