1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;
Imbirai Jehovha, pasi pose.
2Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;
Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.
3Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni,
Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.
4Nokuti Jehovha mukuru,
anofanira kurumbidzwa kwazvo;
Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
5Nokuti vamwari vose vendudzi
zvifananidzo hazvo;
Asi Jehovha akaita kudenga–denga.
6Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake;
Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.
7Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu,
Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.
8Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake;
Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.
9Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene;
Pasi pose bvunda pamberi pake.
10Itiyi pakati pavahedheni,
“Jehovha ndiye anobata hushe;
Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa;
Iye achatonga vanhu zvakarurama.”
11Kudenga–denga ngakufare, kwazvo;
Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri
mukati maro;
12Sango ngarive nomufaro,
nezvose zviri mukati maro;
Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;
13Pamberi paJehovha, nokuti anouya;
Nokuti anouya kuzotonga pasi;
Achatonga nyika zvakarurama,
Nendudzi nokutendeka kwake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.