VaHebheru 9 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Zvibairo zvakare zvinofananidzwa nechibayiro chaKristu

1Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga ine mirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.

2Nokuti tabhenakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.

3Zvino mberi kweketeni rechipiri pakanga pane tabhenakeri yainzi Patsvene–tsvene;

4pakanga pane ndiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama, yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutungira, namahwendefa esungano;

5pamusoro payo pakanga pana makerubhi okubwinya, akadzikatidza chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe–chimwe zvino.

6Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda mutabhenakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;

7asi mune yechipiri Mupristi Mukuru aipinda ari oga, kamwechete pagore, asingapindi asina ropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;

8Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo tsvene yakanga isati yataridzwa, tabhenakeri yokutanga ichimire;

9wakanga uri mufananidzo wenguva ino vanobayira nayo zvipo nezvibairo, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye anoshumira;

10nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.

11Asi Kristu akati asvika ari Mupristi Mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,

12haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.

13Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,

14zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.

15Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.

16Nokuti apo pane chido chenhaka, panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakachiita.

17Nokuti chido chenhaka chine simba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana akachiita achiri mupenyu.

18Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasina ropa.

19Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwechete nemvura namakushe matsvuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,

20achiti, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari.”

21Uyezve, akasasa saizvozvo neropa tabhenakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.

22Zvirokwazvo, tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusina ropa rinoteurwa, hakuna ruregerero.

23Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibairo izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibairo zvinopfuura izvi nokunaka.

24Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi akapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;

25uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somupristi mukuru anopinda munzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;

26nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake.

27Uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwechete, kutongeswa kugotevera,

28saizvozvo Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwechete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, achazoonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help