Zvirevo 17 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare,

Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara.

2Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira

mwanakomana anonyadzisa,

Achidya nhaka pamwechete navana.

3Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevhira nderendarama;

Asi Jehovha anoidza mwoyo yavanhu.

4Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera

miromo yakaipa;

Murevi wenhema anorerekera nzeve

yake kururimi rwakashata.

5Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake;

Anofara pamusoro penjodzi yavamwe,

haangakoni kurohwa.

6Vazukuru ikorona yavatana;

Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo.

7Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi;

Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda.

8Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana

ichitarirwa nomwene wayo;

Pose painoringira inofadza.

9Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo;

Asi anoramba achimutsa shoko,

anoparadzanisa shamwari dzinodana.

10Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa

Kupfuura benzi nokurohwa rune zana.

11Munhu ano mwoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa;

Asi achatumirwa nhume ino mwoyo mukukutu.

12Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana,

Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro.

13Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa,

Zvakaipa hazvingabvi paimba yake.

14Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura;

Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.

15Anopembedza akaipa, noanopa

wakarurama mhosva,

Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha.

16Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti

ritenge uchenjeri,

Zvarisina njere.

17Shamwari inoda nguva dzose;

Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.

18Munhu anoshaiwa njere, ndiye

anozvisunga noruoko rwake,

Achizviitira wokwake rubatso.

19Anoda kukakavara, anoda kudarika;

Anokurisa suwo rake, anotsvaka kuparadzwa.

20Ano mwoyo usakarurama haawani zvakanaka;

Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi.

21Anobereka benzi achazonzwa shungu;

Baba vebenzi havana mufaro.

22Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora;

Asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva,

Kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24Uchenjeri huri pamberi poane njere;

Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika.

25Mwanakomana benzi anochemedza baba vake,

Anoitira mai vakamubereka zvinovava.

26Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka,

Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo.

27Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo;

Uye ane mweya wakagadzikana,

munhu wenjere.

28Kunyangwe nebenzi, kana rinyerere,

ringanzi rakachenjera;

Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help