1Chirevo pamusoro peTaya. Chemai, imi, zvikepe zveTashishi; nokuti raparadzwa, hapachine imba, kana pangapindwapo; vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeSaipurasi.
2Imi mugere pamhenderekedzo yegungwa, nyararai, iyemi maifumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa.
3Pfuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.
4Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, “Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.”
5Kana shoko richisvika Ijipiti, vachava neshungu kwazvo pamusoro peshoko reTaya.
6Yambukirai Tashishi; chemai imi mugere pamhenderekedzo yegungwa.
7Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare, raiiswa kure–kure netsoka dzaro, kundogarako?
8Ndianiko akafungira Taya izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?
9Jehovha wehondo ndiye akazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.
10Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTashishi; hakuchine bhandi rinokusunga.
11Akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, akazunungusa ushe; Jehovha akaraira pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
12Akati, “Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Saipurasi; naikoko haungawani zororo.”
13Tarirai nyika yavaKaradhia; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo; vakaiita dongo.
14Chemai, imi zvikepe zveTashishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa.
15Zvino nenguva iyo Taya richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwechete; kana makore makumi manomwe apera, Taya richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti,
16“Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe.”
17Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha achashanyira Taya, ipapo richadzokera kumubairo waro, ndokufeva noushe hwose hwenyika huri pasi pose.
18Zvarakashambadzira, nomubairo waro, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa; nokuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguo dzakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.