Jobho 32 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mashoko aErihu

1Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu.

2Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.

3Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyangwe zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.

4Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.

5Zvino Erihu akati achiona kuti hapena mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo.

Makore mazhinji haauyisi uchenjeri, asi Mweya waMwari

6Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati,

“Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo;

Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya

kukuzivisai kufunga kwangu.

7Ndakati, ‘Vana mazuva mazhinji ngavataure havo,

Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.’

8Asi mweya uripo pamunhu,

Kufuridzira kwowaMasimbaose

kunovapa kunzwisisa.

9Havazi vakuru vakachenjera,

Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.

10Saka ndakati, ‘Chindinzwai;

Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.’

11Tarirai, ndakambomirira mashoko enyu,

Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu,

Nguva yamakatsvaka zvamungataura.

12Zvirokwazvo, ndakakucherechedzai,

Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho.

Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.

13Chenjerai, murege kuti, ‘Takawana huchenjeri;

Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;’

14Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri;

Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.

15Vashamiswa, havachapinduri;

Havachina shoko ravangataura.

16Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo,

Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?

17Neniwo ndichapindura padzoro rangu,

Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.

18Nokuti ndizere namashoko;

Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.

19Tarirai, mukati mangu makafanana newaini

isina pokubuda napo;

Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.

20Ndichataura, kuti ndirerukirwe,

Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.

21Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi;

Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.

22Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso;

Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help