1Zvino Jehovha akati kwandiri, “Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana VaIsiraeri, kunyangwe vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amazambiringa.”
2Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri netereki yebhari;
3ndikati kwaari, “Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri.
4Nokuti vana VaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo, vasina shongwe, vasina efodhi kana terafimi.
5Pashure vana VaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.