3 Johani 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kwaziso

1Mukuru kuna Gayo, mudikani, wandinoda nechokwadi.

Gayo anorumbidzwa

2Mudikani, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako.

3Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi.

4Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.

5Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo;

6vakapupurira rudo rwako pamberi pechechi; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari.

7Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.

8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.

Dhiotirefe anopiwa mhaka, Dhemetirio anorumbidzwa

9Ndakanyorera Chechi; asi Dhiotirefe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu.

10Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga muchechi.

11Mudikani usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.

12Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.

Kuonekana

13Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo.

15Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help